-
Ruka 13:25-27Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
25 Muridzi wemba paachasimuka okiya suo, muchamira kunze muchigogodza, muchiti, ‘Ishe tivhurireiwo.’+ Asi iye achakupindurai achiti: ‘Handizivi kwamunobva.’ 26 Imi muchabva matanga kuti, ‘Taidya tichinwa pamberi penyu, uye maidzidzisa mumigwagwa yedu mikuru.’+ 27 Asi iye achati kwamuri, ‘Handizivi kwamunobva. Ibvai kwandiri, imi mese munoita zvisina kururama!’
-