-
Ruka 6:47-49Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
47 Regai ndikuudzei kuti munhu wese anouya kwandiri, onzwa mashoko angu, oaita, akafanana naani:+ 48 Akafanana nemumwe murume aivaka imba, ndokuchera achidzika pasi chaipo, akaisa faundesheni yacho paruware. Mafashamo paakauya, rwizi rwaiuya ruchirovera nesimba paimba iyoyo, asi rwakatadza kuizunungusa, nekuti yakanga yakanyatsovakwa.+ 49 Asi uya anonzwa asingaiti,+ akafanana nemunhu akavakira imba yake pamusoro pevhu asi asina kuchera faundesheni. Rwizi rwakarovera nesimba pairi, ikabva yangowondomoka, ndokuparara yese.”
-