10 Usatya matambudziko awava kuda kusangana nawo.+ Inzwa! Dhiyabhorosi acharamba achikanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe kusvika pekupedzisira, uye muchatambudzika kwemazuva gumi. Iva akatendeka kunyange kusvika parufu, uye ndichakupa korona yeupenyu.+