-
Ruka 12:51-53Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
51 Munofunga kuti ndakauya kuzoita kuti panyika pave nerugare here? Ndinoti kwamuri kwete, asi ndakauya kuzopesanisa.+ 52 Nekuti kubvira zvino muimba imwe chete muchava nevanhu vashanu vakapesana, vatatu vachipesana nevaviri uye vaviri vachipesana nevatatu. 53 Vachapesana, baba nemwanakomana uye mwanakomana nababa, amai nemwanasikana uye mwanasikana naamai, vamwene nemuroora uye muroora navamwene.”+
-