-
1 VaKorinde 2:9, 10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 Asi sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Ziso harina kuona, nenzeve haina kunzwa, uye mwoyo wemunhu hauna kufunga nezvezvinhu zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.”+ 10 Nekuti isu ndisu takazvizarurirwa+ naMwari achishandisa mweya wake,+ nekuti mweya unoongorora zvinhu zvese, kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.+
-
-
VaEfeso 1:9-12Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 paakaita kuti tizive chakavanzika chitsvene*+ chekuda kwake. Zvaimufadza iye pachake kuti ave nechinangwa 10 chekuva neurongwa hwekuti kana nguva yaakasarudza yanyatsokwana, aunganidze zvinhu zvese muna Kristu, zvinhu zviri kudenga nezvinhu zviri panyika.+ Aunganidzire maari iye 11 watiri pamwe naye uye watichagara nhaka pamwe naye,+ sezvo takagara tagadzwa maererano nechinangwa cheuya anoita zvinhu zvese zvaanosarudza maererano nekuda kwake, 12 kuti isu vakatanga kuva netariro muna Kristu tishumire kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.
-
-
VaKorose 1:26, 27Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
26 chakavanzika chitsvene*+ chakanga chakavanzwa kubvira nguva dzekare+ uye kuzvizvarwa zvakapfuura. Asi iye zvino chakaiswa pachena kuvatsvene vake,+ 27 avo Mwari akafarira kuzivisa pakati pemamwe marudzi pfuma inokudzwa yechakavanzika chitsvene,+ iyo inoreva Kristu ari pamwe nemi, tariro yekukudzwa pamwe naye.+
-