-
Ruka 3:3-6Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 Saka akatenderera nharaunda yese yakapoteredza Jodhani, achiparidza rubhabhatidzo rwekuratidza kupfidza kuti zvivi zvikanganwirwe,+ 4 sekunyorwa kwazvakaitwa mubhuku remashoko emuprofita Isaya, kuti: “Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti: ‘Gadzirai nzira yaJehovha!* Itai kuti migwagwa yake iti twasu.+ 5 Mapani ese anofanira kufushirwa, uye makomo ese nezvikomo zvese zvinofanira kuparadzirwa; nzira dzakamonyoroka dzinofanira kutwasuka, uye migwagwa yese isina kuenzana inofanira kuti chechetere; 6 uye vanhu vese vachaona ruponeso rwaMwari.’”*+
-