RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dhanieri 7:14
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 14 Akapiwa ushe+ nekukudzwa,+ neumambo, kuti vanhu vemarudzi ese, nenyika, nemitauro yakasiyana-siyana vamushumire.+ Ushe hwake ushe hunogara nekusingaperi, husingazobviswi, uye umambo hwake hahuzoparadzwi.+

  • Mateu 20:21
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 21 Akati kwavari: “Munodei?” Ivo vakamupindura vachiti: “Itai kuti vanakomana vangu vaviri ava vagare, mumwe kuruoko rwenyu rwerudyi uye mumwe kuruboshwe, muUmambo hwenyu.”+

  • Ruka 22:28-30
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 28 “Kunyange zvakadaro, imi ndimi makaramba muineni+ mumiedzo yangu;+ 29 uye ndinoita sungano nemi, saBaba vangu vakaita neni sungano yeumambo,+ 30 kuti mudye nekunwa patafura yangu muUmambo hwangu,+ mugare pazvigaro zveumambo+ muchitonga madzinza 12 aIsraeri.+

  • 1 VaKorinde 6:2
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 Kana kuti hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika?+ Uye kana nyika ichizotongwa nemi, hamuna kukodzera kutonga tunyaya tudiki here?

  • Zvakazarurwa 20:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 4 Uye ndakaona zvigaro zveumambo, uye vaya vakanga vakagara pazviri vakapiwa simba rekutonga. Chokwadi, ndakaona mweya* yevaya vakaurayirwa* kupupura nezvaJesu uye kutaura pamusoro paMwari, vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho kana kuiswa chiratidzo pahuma dzavo nepamaoko avo.+ Vakava vapenyu, vakatonga semadzimambo naKristu+ kwemakore 1 000.

Mabhuku eChiShona (1973-2022)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe