-
Dhanieri 9:27Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
27 “Iye achaita kuti sungano irambe ichishanda kwevhiki imwe chete achiitira vazhinji; uye pakati pevhiki yacho, achaita kuti chibayiro nemupiro zvichirega kupiwa.+
“Uye pabapiro rezvinhu zvinonyangadza pachange paine anoparadza zvinhu zvese;+ uye zvinhu zvakasarudzwa zvichadururwawo pana iye akaitwa dongo kusvikira pava nekuparadzwa.”
-
-
Mako 13:14-18Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
14 “Asi, pamunoona chinhu chinonyangadza chinoparadza zvinhu zvese,+ chimire pachisingafaniri kuva (anoverenga ngaanzwisise), vaya vanenge vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo.+ 15 Munhu ari pamusoro pemba ngaarege kuburuka kana kupinda mukati kuti atore chimwe chinhu mumba make; 16 uye munhu ari kumunda ngaarege kudzokera kuzvinhu zvaasiya kuti anotora nguo yake yekunze. 17 Vane nhamo vakadzi vanenge vaine pamuviri nevaya vanenge vachiyamwisa mumazuva iwayo!+ 18 Rambai muchinyengetera kuti zvirege kuitika munguva yechando;
-