Mateu 6:6 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 6 Asi paunonyengetera, pinda mumba mako uvhare suo rako, wonyengetera kuna Baba vako vari pakavanda.+ Baba vako vanoona vari pakavanda vachabva vakuripa. Mateu 14:23 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 23 Paakanga aendesa vanhu vese, akakwira mugomo ari ega kuti anonyengetera.+ Pakwakanga kwasviba, akanga arimo ari ega. Mako 1:35 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 35 Mangwanani-ngwanani, kunze kuchakasviba, akamuka, akabuda panze, akaenda kwake ega, akatanga kunyengetera.+ Ruka 6:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Rimwe zuva akaenda kugomo kunonyengetera,+ uye akanyengetera kuna Mwari usiku hwese.+
6 Asi paunonyengetera, pinda mumba mako uvhare suo rako, wonyengetera kuna Baba vako vari pakavanda.+ Baba vako vanoona vari pakavanda vachabva vakuripa.
23 Paakanga aendesa vanhu vese, akakwira mugomo ari ega kuti anonyengetera.+ Pakwakanga kwasviba, akanga arimo ari ega.
35 Mangwanani-ngwanani, kunze kuchakasviba, akamuka, akabuda panze, akaenda kwake ega, akatanga kunyengetera.+