19 Akaona muonde pedyo nemugwagwa, akaenda pauri, asi hapana chaakawana kunze kwemashizha,+ akati kwauri: “Pauri ngaparege kuwanika muchero kusvikira nariini.”+ Muonde wacho wakabva wangooma. 20 Vadzidzi pavakazviona, vakashamisika, vakati: “Sei muonde wacho wabva wangooma?”+