3 Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti:
“Vhurai nzira yaJehovha!+
Gadzirirai Mwari wedu mugwagwa mukuru wakati twasu unopfuura nemugwenga.+
4 Mapani ese ngaakwidziridzwe,
Uye makomo ese nezvikomo zvese ngazvideredzwe.
Nyika isina kuenzana inofanira kuti sandara,
Uye nzvimbo isina kuenzana ngaive bani.+
5 Kukudzwa kwaJehovha kucharatidzwa,+
Uye vanhu vese vachazviona pamwe chete,+
Nekuti muromo waJehovha wataura.”