34 Jesu akaudza vanhu zvinhu zvese izvi achishandisa mifananidzo. Aisambotaura navo asingashandisi mufananidzo,+ 35 kuti azadzise zvakataurwa nekumuprofita uya akati: “Ndichashama muromo wangu ndichishandisa mifananidzo; ndichazivisa zvinhu zvakavanzwa kubvira pakutanga.”+