-
Mako 9:19-27Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
19 Akavapindura achiti: “Imi chizvarwa chisina kutenda,+ ndinofanira kuramba ndiinemi kusvikira riini? Ndokuitirai mwoyo murefu kusvikira riini? Uyai naye pano.”+ 20 Saka vakaunza mukomana wacho paari, asi mweya wacho pawakamuona, wakabva waita kuti mwana wacho agwinhe-gwinhe. Akadonha pasi, akaramba achiumburuka, achipupa furo. 21 Jesu akabva abvunza baba vake kuti: “Zvava nenguva yakareba sei zvichiitika kwaari?” Vakati: “Kubvira achiri mudiki, 22 uye waiwanzomukanda mumoto kana mumvura uchida kumuparadza. Asi kana paine zvamunogona kuita, tinzwireiwo tsitsi, mutibatsire.” 23 Jesu akati kwaari: “Mashoko iwayo ekuti, ‘Kana paine zvamunogona’! Zvinhu zvese zvinoita kana munhu aine kutenda.”+ 24 Pakarepo, baba vemwana wacho vakabva vashevedzera vachiti: “Ndine kutenda! Ndibatsirei pandinoda kutenda!”+
25 Jesu paakaona kuti vanhu vakawanda vakanga vava kumhanyira kwavari, akatuka mweya wacho usina kuchena, achiti kwauri: “Iwe mweya unotadzisa munhu kutaura nekunzwa, ndinokurayira, buda maari uye usapindazve maari!”+ 26 Pashure pekunge washevedzera uye waita kuti agwinhe-gwinhe kazhinji, wakabuda, uye mwana wacho akaita seafa, zvekuti vanhu vakanga vava kuti: “Afa!” 27 Asi Jesu akamubata ruoko, akamusimudza, akasimuka.
-