8 Ndakabva ndaona bhiza rakachenuruka, uye akanga akaritasva aiva nezita rekuti Rufu. Aiteverwa neGuva, riri pedyo naye. Vakapiwa simba pachikamu chimwe chete chezvikamu zvina zvenyika, kuti vauraye nebakatwa refu nenzara+ nedenda uye nezvikara zvepanyika.+