-
Mako 14:13-16Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 Akabva atuma vadzidzi vake vaviri akati kwavari: “Pindai muguta, uye muchasangana nemurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei,+ 14 uye chero maanenge apinda, muti kumuridzi wemba, ‘Zvanzi neMudzidzisi: “Imba yevaenzi yandingadyira Paseka nevadzidzi vangu ndeipi?”’ 15 Achabva akuratidzai imba huru yepamusoro, inotova nezvese zvekushandisa. Motigadzirira imomo.” 16 Saka vadzidzi vakabuda, vakapinda muguta, vakawana zvakangoita sezvaakanga avataurira, vakagadzirira Paseka.
-