-
VaHebheru 9:13, 14Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
13 Ropa rembudzi neremikono yemombe+ nemadota etsiru zvinosaswa pane vaya vakasvibiswa zvovatsvenesa, nyama yochena.+ 14 Kana zvakadaro, ropa raKristu,+ uyo akazvipa kuna Mwari kuburikidza nemweya usingaperi asina kana pakakanganisika, ringatadza here kuchenesa hana dzedu pamabasa akafa+ kuti tiitire Mwari mupenyu basa dzvene?+
-