10 Simoni Petro, uyo aiva nebakatwa, akabva arivhomora, akacheka nzeve yekurudyi yemuranda wemupristi mukuru, ikabva.+ Muranda wacho ainzi Makosi. 11 Asi Jesu akati kuna Petro: “Dzorera bakatwa rako mumuhara maro.+ Ndingarega here kunwira mukapu yandakapiwa naBaba?”+