2 Makoronike 13:5 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 Ko hamuzivi here kuti Jehovha Mwari waIsraeri akapa Dhavhidhi umambo kuti atonge vaIsraeri nekusingaperi,+ iye nevanakomana vake,+ achishandisa sungano yemunyu?*+ Pisarema 89:3, 4 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 3 “Ndakaita sungano newandakasarudza;+Ndakapikira mushumiri wangu Dhavhidhi ndichiti:+ 4 ‘Ndichasimbisa kwazvo mwana*+ wako nekusingaperi,Uye ndichavaka chigaro chako cheumambo kwezvizvarwa nezvizvarwa.’”+ (Sera) Pisarema 132:11 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 11 Jehovha akapika kuna Dhavhidhi;Haazoregi kuita zvaakataura paakati: “Mumwe wevana vako,Ndichamuisa pachigaro chako cheumambo.+ Jeremiya 23:5 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 5 “Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita kuti Dhavhidhi ave nenhungirwa yakarurama.*+ Uye mambo achatonga+ uye acharatidza njere, achitonga zvakanaka munyika yacho uye achiita kuti muve nekururama.+
5 Ko hamuzivi here kuti Jehovha Mwari waIsraeri akapa Dhavhidhi umambo kuti atonge vaIsraeri nekusingaperi,+ iye nevanakomana vake,+ achishandisa sungano yemunyu?*+
3 “Ndakaita sungano newandakasarudza;+Ndakapikira mushumiri wangu Dhavhidhi ndichiti:+ 4 ‘Ndichasimbisa kwazvo mwana*+ wako nekusingaperi,Uye ndichavaka chigaro chako cheumambo kwezvizvarwa nezvizvarwa.’”+ (Sera)
11 Jehovha akapika kuna Dhavhidhi;Haazoregi kuita zvaakataura paakati: “Mumwe wevana vako,Ndichamuisa pachigaro chako cheumambo.+
5 “Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita kuti Dhavhidhi ave nenhungirwa yakarurama.*+ Uye mambo achatonga+ uye acharatidza njere, achitonga zvakanaka munyika yacho uye achiita kuti muve nekururama.+