RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Johani 14:30
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 30 Handichatauri zvakawanda nemi, nekuti mutongi wenyika+ ari kuuya, asi haana simba pandiri.+

  • Johani 16:11
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 uye pamusoro pekutongwa, nekuti mutongi wenyika ino atongwa.+

  • Mabasa 26:17, 18
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Uye ndichakununura pavanhu ava nepamarudzi andiri kukutuma kwaari+ 18 kuti usvinudze maziso avo,+ uvatendeutse kubva murima+ uchivaendesa kuchiedza+ uye kubva pasimba raSatani+ uchivaendesa kuna Mwari, kuti varegererwe zvivi zvavo+ uye vawane nhaka pakati pevaya vakatsveneswa nekutenda kwavo mandiri.’

  • 2 VaKorinde 4:3, 4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Tingatoti kana mashoko akanaka atinozivisa akafukidzwa, akafukidzwa kune vaya vari kuparara, 4 vasingatendi,+ vakapofumadzwa pfungwa namwari wenyika ino,*+ kuti varege kuvhenekerwa nechiedza+ chemashoko* akanaka anokudzwa ane chekuita naKristu, anova ndiye mufananidzo waMwari.+

  • VaEfeso 2:1, 2
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 Uyezve, Mwari akakuitai vapenyu, kunyange makanga makafa mukudarika kwenyu nemuzvivi zvenyu,+ 2 mamakambofamba maererano nenzira dzenyika ino,*+ maererano nemutongi ane simba pamhepo,+ iwo mweya+ uri kushanda iye zvino muvanakomana vasingateereri.

  • 1 Johani 5:19
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 19 Tinoziva kuti tinobva kuna Mwari, asi nyika yese iri musimba reakaipa.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe