Revhitiko 19:18 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 18 “‘Usatsiva+ kana kuchengetera chigumbu vanakomana vevanhu vekwako, ida muvakidzani wako sezvaunozviita.+ Ndini Jehovha. Johani 15:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudanane sekuda kwandakakuitai.+ 1 VaTesaronika 4:9 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 9 Asi kana iri nyaya yekudanana sehama,+ hatifaniri kutombokunyorerai, nekuti imi munodzidziswa naMwari kuti mudanane.+ Jakobho 2:8 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 8 Zvino kana imi muchichengeta mutemo wamambo sezviri murugwaro urwu runoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita,”+ muri kuita zvakanaka. 1 Petro 1:22 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 22 Zvino zvamakazvichenesa* kuburikidza nekuteerera kwenyu chokwadi, zvikaita kuti mude hama dzenyu zvisina unyengeri,+ dananai kwazvo zvichibva pamwoyo.+ 1 Johani 3:14 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 14 Tinoziva kuti takabva murufu tikava vapenyu,+ nekuti tinoda hama dzedu.+ Uyo asingadi hama yake anoramba ari murufu.+
18 “‘Usatsiva+ kana kuchengetera chigumbu vanakomana vevanhu vekwako, ida muvakidzani wako sezvaunozviita.+ Ndini Jehovha.
9 Asi kana iri nyaya yekudanana sehama,+ hatifaniri kutombokunyorerai, nekuti imi munodzidziswa naMwari kuti mudanane.+
8 Zvino kana imi muchichengeta mutemo wamambo sezviri murugwaro urwu runoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita,”+ muri kuita zvakanaka.
22 Zvino zvamakazvichenesa* kuburikidza nekuteerera kwenyu chokwadi, zvikaita kuti mude hama dzenyu zvisina unyengeri,+ dananai kwazvo zvichibva pamwoyo.+
14 Tinoziva kuti takabva murufu tikava vapenyu,+ nekuti tinoda hama dzedu.+ Uyo asingadi hama yake anoramba ari murufu.+