9 Mwari akatiratidza rudo rwake pakuti akatuma Mwanakomana wake panyika, uyo akaberekwa ari mumwe oga,+ kuti tiwane upenyu pachishandiswa iye.+ 10 Rudo rwacho runooneka pakuti hatisi isu takada Mwari, asi ndiye akatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chekufukidza+ zvivi zvedu.+