-
Eksodho 2:23, 24Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
23 Pashure penguva yakareba* mambo weIjipiti akazofa,+ asi vaIsraeri vakaramba vachigomera nemhaka yeuranda uye vachinyunyuta, uye kuchema kwavo nemhaka yeuranda kwakaramba kuchikwira kuna Mwari wechokwadi.+ 24 Mwari akazonzwa kugomera kwavo,+ uye Mwari akayeuka sungano yake naAbrahamu, Isaka, naJakobho.+
-