-
Mabasa 11:5-10Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
5 “Ndaiva muguta reJopa ndichinyengetera, uye muchiratidzo chandakapiwa, ndakaona chimwe chinhu chichiburuka kubva kudenga chakaita sejira guru riri kudzikiswa nemativi aro mana, chikauya pandakanga ndiri chaipo.+ 6 Ndakanyatsochitarisa ndikaona mhuka dzepanyika dzine makumbo mana, mhuka dzemusango, zvinhu zvinokambaira, neshiri dzekudenga. 7 Ndakanzwawo inzwi richiti kwandiri: ‘Petro, simuka uuraye, udye!’ 8 Asi ndakati: ‘Hazviiti Ishe, nekuti handisati ndamboisa mukanwa mangu chinhu chakasviba, chisina kuchena.’ 9 Inzwi rakabva kudenga kechipiri rikati: ‘Rega kuti zvinhu zvacheneswa naMwari zvakasviba.’ 10 Izvi zvakaitika kechitatu, uye zvinhu zvese zvakabva zvakwidzwa kudenga zvakare.
-