-
Genesisi 3:17-19Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
17 Kuna Adhamu* akati: “Sezvo wateerera inzwi remudzimai wako, ukadya muchero wemuti wandakakurayira+ ndichiti, ‘Usaudya,’ ivhu ratukwa nemhosva yako.+ Uchadya zvibereko zvaro uchirwadziwa mazuva ese eupenyu hwako.+ 18 Richakumerera minzwa nemasora anobaya, uye uchadya zvinomera zvemusango. 19 Uchadya zvekudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nekuti wakatorwa kwariri.+ Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.”+
-