-
VaEfeso 1:9-11Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 paakaita kuti tizive chakavanzika chitsvene*+ chekuda kwake. Zvaimufadza iye pachake kuti ave nechinangwa 10 chekuva neurongwa hwekuti kana nguva yaakasarudza yanyatsokwana, aunganidze zvinhu zvese muna Kristu, zvinhu zviri kudenga nezvinhu zviri panyika.+ Aunganidzire maari iye 11 watiri pamwe naye uye watichagara nhaka pamwe naye,+ sezvo takagara tagadzwa maererano nechinangwa cheuya anoita zvinhu zvese zvaanosarudza maererano nekuda kwake,
-