-
Dheuteronomi 21:20, 21Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
20 voudza vakuru veguta rake kuti, ‘Mwanakomana wedu uyu ane musikanzwa uye anotipandukira, uye anoramba kutiteerera. Ane makaro+ uye chidhakwa.’+ 21 Varume vese veguta rake vanofanira kubva vamutema nematombo ofa. Saka unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako, uye vaIsraeri vese vachazvinzwa vobva vatya.+
-
-
Zvirevo 23:20Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
20 Usava pakati pevaya vanonwisa waini,+
Pakati pevaya vanodyisa nyama,+
-
1 Petro 4:3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 Nekuti nguva yamakapedza muchiita zvaidiwa nevanhu vemamwe marudzi+ yakakwana, yamaigara muchiita mabasa akafumuka,* muine ruchiva rwakanyanya, muchinwa zvakapfurikidza, muchiita mitambo yekufara zvakapfurikidza, nemitambo yekunwa zvakanyanyisa, muchiita zvinorambidzwa nemutemo zvekunamata zvidhori.+
-
-
-