-
Jakobho 4:1, 2Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
4 Chii chiri kukonzera hondo nekurwa pakati penyu? Hazvisi kukonzerwa neruchiva rwenyama yenyu ruri kurwa mamuri* here?+ 2 Munoda zvinhu asi hamusi kuzviwana. Munoramba muchiuraya uye muchichiva, asi hapana chamunokwanisa kuwana. Munoramba muchirwa uye muchiita hondo.+ Hamuna chamuinacho nekuti hamukumbiri.
-