RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mako 7:21, 22
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 21 Nekuti mukati memunhu, mumwoyo make,+ munobuda kufunga kwakaipa: unzenza,* umbavha, umhondi, 22 upombwe, makaro, mabasa akaipa, unyengeri, tsika dzakafumuka,* ziso rine shanje, kumhura, kuzvikudza, uye upenzi.

  • VaEfeso 4:19
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 19 Sezvo asisina unhu zvachose, akazvinyudza mutsika dzakafumuka*+ achiita nemakaro zvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ese.

  • 2 Petro 2:2
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 Uyewo vazhinji vachatevera tsika dzavo dzakafumuka,*+ uye maitiro avo achashoresa nzira yechokwadi.+

  • Judha 4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 4 Chikonzero changu ndechekuti vamwe vanhu vakaverevedza vachipinda pakati penyu, vaya vakasarudzirwa mutongo uyu kare kare maererano neMagwaro; vanhu vacho havadi Mwari uye vanoshandisa nyasha dzaMwari wedu zvisiri izvo kuti vaite zvinhu zvakafumuka*+ uye vanoratidza kuti havana kutendeka kuna tenzi uye Ishe wedu mumwe chete, Jesu Kristu.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe