-
VaEfeso 5:25-27Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
25 Varume, rambai muchida madzimai enyu,+ sekuda kwakaita Kristu ungano, akazvipira kuifira,+ 26 kuti aitsvenese, achiichenesa nekuigeza nemvura achishandisa shoko,+ 27 kuti atore ungano ive yake iine runako rwayo, isina pane ruvara kana pakaunyana kana chimwe chinhu chakadaro,+ asi kuti ive tsvene isina pakashatiswa.+
-