2 Achabuda sekabazi+ pamberi pake, semudzi munyika yakaoma.
Haana chimiro chinoyemurika, kana kubwinya;+
Uye patinomuona, chimiro chake hachiiti kuti timufarire.
3 Akazvidzwa uye akarambwa nevanhu,+
Munhu ainzwisisa marwadzo uye aiziva kurwara.
Zvaiita sekuti chiso chake chakanga chakahwandiswa kuti tisachiona.
Akazvidzwa, uye takamuona seasingakoshi.+