16 Hazvirambiki kuti chakavanzika chitsvene chekuzvipira kuna Mwari uku chinhu chikuru, chekuti: ‘Iye akaratidzwa pachena panyama,+ akanzi akarurama mumweya,+ akazviratidza kungirozi,+ akaparidzwa nezvake pakati pemamwe marudzi,+ akatendwa munyika,+ akagamuchirwa kudenga mukubwinya.’