-
VaEfeso 3:5-7Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
5 Mune zvimwe zvizvarwa, chakavanzika ichi hachina kuziviswa vanakomana vevanhu sekuzarurwa kwachakaitwa iye zvino nemweya kuvaapostora vake vatsvene nevaprofita,+ 6 chekuti, vachibatanidzwa naKristu Jesu uye kuburikidza nemashoko akanaka, vanhu vemamwe marudzi vanofanira kuva vagari venhaka uye nhengo dzemuviri pamwe chete nesu+ vachibatana nesu muvimbiso yakapiwa. 7 Ndakava mushumiri weizvi maererano nechipo chepachena chenyasha dzaMwari chandakapiwa nekushanda kwesimba rake.+
-