9 Vakadzi vanofanirawo kupfeka zvipfeko zvine mutsigo, zvinoratidza kuva nemwero uye pfungwa dzakanaka, kwete kuruka bvudzi negoridhe kana nemaparera kana kupfeka zvinhu zvinonyanya kudhura,+ 10 asi ngavapfeke nenzira inokodzera vakadzi vakazvipira kuna Mwari,+ nemabasa akanaka.