-
Eksodho 24:6-8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Mozisi akabva atora hafu yeropa racho, akaisa mumidziyo, uye imwe hafu yeropa racho akasasa paatari. 7 Akabva atora bhuku resungano, akariverengera vanhu.+ Uye vakati: “Tinobvuma kuita zvese zvataurwa naJehovha, uye tichamuteerera.”+ 8 Saka Mozisi akatora ropa, akarisasa pavanhu,+ akati: “Iri ndiro ropa resungano yaitwa naJehovha nemi maererano nemashoko ese aya.”+
-