-
1 Samueri 2:27, 28Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
27 Munhu waMwari akauya kuna Eri akati kwaari: “Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha: ‘Handina here kuzviratidza pachena kuvanhu veimba yababa vako pavaiva muIjipiti, vari varanda muimba yaFarao?+ 28 Uye baba vako vakasarudzwa pamadzinza ese aIsraeri+ kuti vave mupristi wangu uye kuti vaende paatari yangu+ kunopa zvibayiro, kuti vape rusenzi* uye kuti vapfeke efodhi pamberi pangu; uye ndakapa imba yababa vako mipiro yese inopiswa nemoto yevaIsraeri.*+
-