RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 3:15
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 15 Ndichaisa ruvengo+ pakati pako+ nemukadzi,+ nepakati pevana*+ vako nemwana*+ wake. Iye achakupwanya musoro+ uye iwe uchamuruma pachitsitsinho.”+

  • Ruka 10:18
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 18 Iye akabva ati kwavari: “Ndiri kuona Satani atodonha+ achibva kudenga semheni.

  • Johani 8:44
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 44 Munobva kuna baba venyu Dhiyabhorosi, uye munoda kuita zvido zvababa venyu.+ Iye akanga ari muurayi paakatanga,*+ uye haana kumira zvakasimba muchokwadi, nekuti chokwadi hachisi maari. Paanotaura nhema, anotaura maererano nezvaari, nekuti iye murevi wenhema nababa venhema.+

  • 1 Johani 3:8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 8 Munhu anoramba achiita chivi anobva kuna Dhiyabhorosi, nekuti Dhiyabhorosi agara achitadza kubvira pakutanga.*+ Ndokusaka Mwanakomana waMwari akaratidzwa pachena, kuti aputse* mabasa aDhiyabhorosi.+

  • Zvakazarurwa 12:9
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 9 Saka dhiragoni huru+ yakakandwa pasi, nyoka yepakutanga,+ inonzi Dhiyabhorosi+ uye Satani,+ uyo ari kutsausa nyika yese;+ akakandwa panyika,+ uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe