-
Eksodho 17:1-3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
17 Ungano yese yevaIsraeri yakabva kurenje reSini+ ichiti ikafamba yombomira, sezvayaiudzwa naJehovha,+ ndokuzodzika musasa paRefidhimu.+ Asi pakanga pasina mvura yekuti vanhu vanwe.
2 Saka vanhu vakatanga kupopotera Mozisi+ vachiti: “Tipe mvura tinwe.” Asi Mozisi akati kwavari: “Nei muri kundipopotera? Munorambirei muchiedza Jehovha?”+ 3 Asi vanhu vakanga vanzwa nenyota, uye vakaramba vachigunun’unira Mozisi+ vachiti: “Wakatibudisirei muIjipiti? Kuti utiuraye nenyota pamwe nevanakomana vedu nezvipfuwo zvedu?”
-