-
Numeri 14:22, 23Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
22 Zvisinei, hapana kana murume mumwe chete pavarume vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo+ zvangu zvandakaita muIjipiti nemurenje asi vakaramba vachindiedza+ kagumi aka uye vakasateerera inzwi rangu+ 23 vachafa vakaona nyika yandakapikira madzibaba avo. Hapana kana mumwe wavo asingandiremekedzi achaiona.+
-
-
Numeri 14:28-30Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
28 Vaudze kuti, ‘“Ndinopika neupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndichakuitirai zvandanzwa muchitaura!+ 29 Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino,+ mese vakaverengwa kubvira pane vane makore 20 zvichikwira, imi mese mandigunun’unira.+ 30 Hapana kana mumwe wenyu achapinda munyika yandakapika* kuti muchagara,+ kunze kwaKarebhi, mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.+
-