-
VaEfeso 4:17-19Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
17 Saka izvi ndizvo zvandinotaura uye zvandinopupurira munaShe, kuti hamufaniri kuramba muchifamba semafambiro anoita mamwe marudzi,+ anofamba muupenzi hwepfungwa dzawo.+ 18 Ari murima mupfungwa uye akaparadzaniswa neupenyu hunopiwa naMwari, nekuda kwekusaziva kuri maari, nekuda kwekugomara kwemwoyo yawo. 19 Sezvo asisina unhu zvachose, akazvinyudza mutsika dzakafumuka*+ achiita nemakaro zvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ese.
-