Mateu 26:27, 28 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 27 Uye akatora kapu, akaonga ndokuvapa, achiti: “Mese inwai,+ 28 nekuti iyi inomirira ‘ropa+ rangu resungano,’+ richadururirwa vazhinji+ kuti vakanganwirwe zvivi.+ 1 VaKorinde 6:20 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 20 nekuti makatengwa nemutengo.+ Saka kudzai Mwari+ nemiviri yenyu.+ VaHebheru 9:12 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 12 Haana kupinda munzvimbo tsvene neropa rembudzi neremikono midiki yemombe, asi neropa rake pachake,+ kamwe chete zvikabva zvakwana, akaita kuti tiwane kununurwa* kusingaperi.+ 1 Petro 1:18, 19 Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva 18 Nekuti munoziva kuti hamuna kusunungurwa*+ nezvinhu zvinoora, nesirivha kana goridhe, pamararamiro enyu asingabatsiri akabva kumadzitateguru enyu. 19 Asi neropa rinokosha raKristu,+ rakaita seregwayana rakanaka+ uye risina kana pakaipa.+
27 Uye akatora kapu, akaonga ndokuvapa, achiti: “Mese inwai,+ 28 nekuti iyi inomirira ‘ropa+ rangu resungano,’+ richadururirwa vazhinji+ kuti vakanganwirwe zvivi.+
12 Haana kupinda munzvimbo tsvene neropa rembudzi neremikono midiki yemombe, asi neropa rake pachake,+ kamwe chete zvikabva zvakwana, akaita kuti tiwane kununurwa* kusingaperi.+
18 Nekuti munoziva kuti hamuna kusunungurwa*+ nezvinhu zvinoora, nesirivha kana goridhe, pamararamiro enyu asingabatsiri akabva kumadzitateguru enyu. 19 Asi neropa rinokosha raKristu,+ rakaita seregwayana rakanaka+ uye risina kana pakaipa.+