Rwiyo. Pisarema raAsafi.+
83 Haiwa Mwari, musanyarara;+
Musaramba makangoti zii kana kuramba makamira, haiwa imi Mwari.
2 Nekuti onai! vavengi venyu vari kuita zhowezhowe;+
Vaya vanokuvengai vari kuzvikudza.
3 Vanonyengera vachironga pachivande kuitira vanhu venyu zvakaipa;
Vanorangana zvakaipa pamusoro pevanhu venyu vamunokoshesa.
4 Vanoti: “Uyai, ngatiparadzei rudzi rwavo rwese,+
Kuti zita raIsraeri rirege kuyeukwazve.”
5 Vanoisa misoro pamwe chete vachironga zano;
Vakaita sungano yekurwisana nemi,+
6 Ivo vemumatende eEdhomu uye vaIshmaeri, Moabhi+ uye vaHagri,+
7 Gebhari naAmoni+ naAmareki,
Firistiya+ pamwe chete nevagari vekuTire.+
8 Asiriya+ yakabatanawo navo;
Vanotsigira vanakomana vaRoti.+ (Sera)
9 Vaitei zvamakaita Midhiyani,+
Zvamakaita Sisera naJabhini parukova rweKishoni.+
10 Vakaparadzwa paEndori;+
Vakava mupfudze wenyika.
11 Itai kuti vakuru vakuru vavo vave saOrebhu naZeebhu+
Uye machinda avo ave saZebha naZarimuna,+
12 Nekuti vakati: “Ngatitorei nyika inogara Mwari.”
13 Haiwa Mwari wangu, itai kuti vave semasora anobaya anotorwa nechamupupuri,+
Semashanga ari kupeperetswa nemhepo.
14 Sezvinoita moto unopisa sango,
Serimi remoto rinopisa makomo,+
15 Vadzingirirei nedutu renyu rakasimba+
Uye vavhundutsei nechamupupuri chenyu.+
16 Zadzai zviso zvavo nenyadzi,
Kuti vatsvage zita renyu, haiwa Jehovha.
17 Ngavanyadziswe uye ngavavhundutswe nekusingaperi;
Ngavashaye pekupinda uye ngavaparare;
18 Vanhu ngavazive kuti imi, mune zita rekuti Jehovha,+
Imi mega ndimi Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese.+