Mika
Vanorova mutongi weIsraeri padama netsvimbo.+
Iwe mudiki chaizvo zvekuti haukodzeri kuva pakati pezviuru zvaJudha,*
Kwauri kuchabva munhu achava mutongi muIsraeri+ achindimiririra;
Mavambo ake ndeekare kare, ndewemazuva ekare kare.
3 Saka achavaisa mumaoko emuvengi
Kusvikira mukadzi achasununguka mwana asununguka.
Uye dzimwe hama dzake dzese dzichadzoka kuvaIsraeri.
5 Achaita kuti pave nerugare.+
Kana muAsiriya akapinda munyika yedu nechisimba otsika mushongwe dzedu dzakavakwa zvakasimba,+
Tichamumutsira vafudzi vanomwe, chokwadi tichamumutsira machinda masere* pakati pevanhu, kuti varwe naye.
Pachapinda muAsiriya munyika yedu nechisimba, otsika-tsika nharaunda yedu,
Iye achatinunura.+
7 Vanhu vaJakobho vanenge vasara
Vachaita sedova rinobva kuna Jehovha pakati pemarudzi mazhinji,
Semvura inonaya zvinhu zvinomera.
Vachaita sedova nemvura zvisingatarisiri kuunzwa nemunhu
Kana kumirira vanakomana vevanhu.
8 Vanhu vaJakobho vanenge vasara
Vachaita seshumba iri pakati pemhuka dzesango vari pakati pemarudzi,
Iwo marudzi mazhinji,
Seshumba ine simba* pakati pemapoka emakwai,
Iyo inopfuura nepaari yoabata akavarairwa yoabvambura-bvambura
Pasina anoanunura.
9 Muchasimudza ruoko rwenyu rwova pamusoro pemhandu dzenyu,
Uye vavengi venyu vese vachaparadzwa.”
10 “Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Ndichaparadza mabhiza ako ndoparadza ngoro dzako.
11 Ndichaparadza maguta emunyika yako
Ndoputsa nzvimbo dzako dzese dzakavakwa zvakasimba.
13 Ndichaparadza shongwe dzako nemifananidzo yako yakavezwa,
Uye ucharega kupfugamira zvinhu zvawakagadzira.+
15 Ndichatsiva marudzi asina kuteerera
Ndakatsamwa uye ndakashatirwa.”