Mapisarema
Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Sheshe Yenondo Yemambakwedza.” Rwiyo rwaDhavhidhi.
22 Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?+
Nei muri kure nekundiponesa,
Kure nekuchema kwangu ndichirwadziwa?+
7 Vese vanondiona vanondinyomba;+
Vanondifinyamira vachidzungudza misoro yavo vachinditsvinyira vachiti:+
8 “Akazviisa kuna Jehovha. Ngaamununure!
Ngaamuponese, nekuti anomuda chaizvo!”+
10 Ndakaiswa mumaoko enyu kubvira ndichangoberekwa;
Muri Mwari wangu kubvira ndiri muchibereko chaamai vangu.
14 Ndiri kudururwa semvura;
Mapfupa angu ese asvodogoka.
15 Simba rangu raoma sechaenga;*+
Rurimi rwangu ruri kunamatira kumatadza angu;+
Muri kundiisa muguruva rerufu.+
16 Nekuti imbwa dzakandikomba;+
Dzakati name name neni sechikwata chevanhu vanoita zvakaipa,+
Dziri kuda kuruma maoko angu nemakumbo seshumba.+
17 Ndinogona kuverenga mapfupa angu ese.+
Vanonditarisa voramba vakangoti nde-e.
19 Asi imi, haiwa Jehovha, musaramba muri kure.+
Ndimi simba rangu; kurumidzai kuzondibatsira.+
Ponesai upenyu hwangu hunokosha patsoka dzembwa;+
21 Ndiponesei pamuromo weshumba+ uye panzombe dzemusango;
Ndipindurei mundiponese.
23 Imi vanotya Jehovha, murumbidzei!
Imi mese vana* vaJakobho, mukudzei!+
Mirai muchishamiswa imi mese vana* vaIsraeri.
24 Nekuti haana kuzvidza kana kusema kutambura kwemunhu anodzvinyirirwa;+
Haana kumuvanzira chiso chake.+
Paakachemera kwaari achida kubatsirwa, akamunzwa.+
25 Ndichakurumbidzai ndiri muungano yakakura;+
Ndicharipa mhiko dzangu ndiri pamberi pevaya vanomutya.
Nakidzwai neupenyu* nekusingaperi.
27 Vanhu vese vari kumigumo yenyika vachayeuka, vodzoka kuna Jehovha.
Mhuri dzese dzemarudzi dzichakotama pamberi penyu.+
29 Vapfumi* vese vepanyika vachadya uye vachakotama;
Vese vari kudzika kuguruva vachamupfugamira;
Hapana kana mumwe wavo anogona kuchengetedza upenyu hwavo.*
30 Vana vavo vachamushandira;
Chizvarwa chinotevera chichaudzwa nezvaJehovha.
31 Vachauya votaura nezvekururama kwake.
Vachaudza vanhu vachazoberekwa zvaakaita.