Isaya
54 “Pembera nemufaro, iwe mukadzi ngomwa, asina kubereka!+
Fara uye shevedzera nemufaro,+ iwe asati ambova nemarwadzo ekusununguka,+
Nekuti vanakomana* veuya akasiyiwa vazhinji
Kupfuura vanakomana vemukadzi ane murume,”*+ anodaro Jehovha.
2 “Ita kuti nzvimbo yetende rako iwedzere kukura.+
Tambanudza machira etende etebhenekeri yako huru.
Usarega, rebesa tambo dzako dzetende,
Uye simbisa hoko dzako dzetende.+
3 Nekuti uchawedzera uchienda kurudyi uye kuruboshwe.
Vana vako vachaita kuti marudzi ave avo,
Uye vachagara mumaguta akasiyiwa ava matongo.+
Nekuti uchakanganwa nyadzi dzeudiki hwako,
Uye hauzoyeukizve kuzvidzwa kweuchirikadzi hwako.”
5 “Nekuti Muiti wako Mukuru+ akaita semurume* wako,+
Jehovha wemauto ndiro zita rake,
Uye Mutsvene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako.+
Achanzi Mwari wenyika yese.+
6 Nekuti Jehovha akakushevedza sekunge kuti waiva mudzimai akasiyiwa uye ari kushungurudzika,*+
Semudzimai akaroorwa achiri mudiki achibva azorambwa,” anodaro Mwari wako.
8 Ndakakuvanzira chiso changu kwenguva pfupi ndakatsamwa kwazvo,+
Asi nerudo rusingachinji uye rusingaperi, ndichakunzwira tsitsi,”+ anodaro Mudzikinuri wako,+ Jehovha.
9 “Izvi zvakaita semazuva aNoa kwandiri.+
Sezvandakapika kuti mvura yaNoa haichazofukidzizve nyika,+
Ndinopikawo kuti handichazokutsamwirizve kana kukutuka.+
10 Nekuti makomo angabviswa
Uye zvikomo zvingazununguswa,
Asi rudo rwangu rusingachinji haruzobviswi pauri,+
Uyewo sungano yangu yerugare haizozununguswi,”+ anodaro Jehovha, iye anokunzwira tsitsi.+
11 “Haiwa iwe mukadzi anotambudzika,+ anokandwa-kandwa nedutu, asina kunyaradzwa,+
Ndiri kuvaka matombo ako nedhaka rakasimba,
Uye faundesheni yako nematombo anonzi safaya.+
12 Ndichagadzira shongwe dzako nematombo anonzi rubhi,
Magedhi ako nematombo anopenya,*
Uye miganhu yako yese nematombo anokosha.
Uchava kure chaizvo nekudzvinyirirwa,+
Hapana chauchatya uye hapana chichakuvhundutsa,
Nekuti hapana chichaswedera pedyo newe.+
15 Kana pakava neanokurwisa,
Handisi ini ndinenge ndamurayira.
Munhu wese anokurwisa achakundwa.”+
Ndiniwo ndakasika munhu anoparadza kuti aparadze.+
17 Hapana chombo chakagadzirirwa kukurwisa chichabudirira,+
Uye uchapa mhosva rurimi chero rupi zvarwo runokupomera pakutongwa.
Iyi inhaka yevashumiri vaJehovha,
Uye kururama kwavo kunobva kwandiri,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+