Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
2 Zuva nezuva kutaura kwazvo kunobuda,
Uye usiku hwega hwega zvinoratidza ruzivo.
3 Hapana kutaura, uye hapana mashoko;
Inzwi razvo harinzwiki.
Akadzikira zuva tende kumatenga;
5 Rinoita semurume ari kuroora ari kubuda muimba yekuchatira;
Rinopembera semurume ane simba ari kumhanya munzira yake.
6 Rinobuda richibva kune mumwe mugumo wematenga,
Uye rinotenderera kusvika kune mumwe mugumo;+
Uye hapana chakavanzwa pakupisa kwaro.
7 Mutemo waJehovha wakakwana,+ unodzosa simba.*+
Chiyeuchidzo chaJehovha chakavimbika,+ chinochenjedza asina ruzivo.+
8 Mirayiro inobva kuna Jehovha yakarurama, inoita kuti mwoyo ufare;+
Murayiro waJehovha wakachena, unoita kuti maziso apenye.+
9 Kutya Jehovha+ kwakachena, kunoramba kuripo nekusingaperi.
Mitongo yaJehovha ndeyechokwadi, yese yakarurama.+
10 Inodiwa kupfuura goridhe,
Kupfuura goridhe rakawanda rakanatswa,+
Uye inotapira kupfuura uchi,+ uchi hunoyerera huchibva mumazinga.
12 Ndiani angaziva zvikanganiso zvake?+
Ndiregerereiwo pazvivi zvandisingazivi kuti ndakaita.