Zefaniya
3 Rine nhamo guta rekupanduka, guta rakasvibiswa uye rine udzvinyiriri!+
2 Harina kuteerera;+ harina kubvuma kurayirwa.+
Harina kuvimba naJehovha;+ harina kuswedera pedyo naMwari waro.+
3 Machinda aro ishumba dzinodzvova.+
Vatongi varo imhumhi dzinovhima usiku;
Kunze kunozoyedza vasisina kana pfupa rekun’en’ena.
4 Vaprofita varo varume vanozvikudza uye vanonyengera.+
5 Jehovha akarurama pakati pavo;+ haaiti zvakaipa.
Anozivisa mitongo yake mangwanani ega ega,+
Iyo yakaita sechiedza chezuva chisingaregi kuuya.
Asi munhu asina kururama haatombonyari.+
6 “Ndakaparadza marudzi; uye shongwe dzawo dzepamakona dzakasara dzava matongo.
Ndakaparadza migwagwa yawo, zvekuti hapana munhu aipfuura nemo.
Maguta awo akasiyiwa ava matongo, asina munhu anogara maari.+
7 Ndakati kuguta racho, ‘Chokwadi uchanditya wobvuma kutsiurwa,’*+
Asi ivo ndipo pavakatowedzera kuita zvakaipa.+
8 ‘Saka rambai makandimirira,’*+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
‘Kusvikira pazuva randichasimuka kuti ndipambe,*
Nekuti ndakasarudza kuti ndiunganidze marudzi neumambo,
Kuti ndidururire hasha dzangu paari, iko kutsamwa kwangu kwese;+
Nekuti nyika yese ichaparadzwa nekushingaira kwangu kwakaita semoto.+
9 Nekuti panguva iyoyo ndichachinja mutauro wemarudzi, ndoapa mutauro wakachena,
Kuti ese zvawo adane zita raJehovha,
Uye kuti amushumire akabatana.’+
10 Kubva kunharaunda yenzizi dzeItiopiya,
Vaya vanoteterera kwandiri, iye mwanasikana wevanhu vangu vakapararira, vachandiunzira chipo.+
11 Pazuva iroro hauzonyadziswi
Nezvinhu zvese zvawakaita uchindipandukira,+
Nekuti panguva iyoyo ndichabvisa vanhu vanozvikudza pakati pako;
Uye hauzombozvikudzizve mugomo rangu dzvene.+
12 Ndichaita kuti vanhu vanozvininipisa nevakaderera varambe vari pakati pako,+
Uye vachapotera muzita raJehovha.
13 Vanhu vachasara pavaIsraeri+ havazoiti zvakaipa;+
Havazorevi nhema, kana kutaura mashoko ekunyengera;
Vachadya vorara pasi, uye hapana achavatyisa.”+
14 Shevedzera uchifara, iwe mwanasikana weZiyoni!
Shevedzera nemufaro, iwe Israeri!+
Fara, upembere nemufaro nemwoyo wako wese, iwe mwanasikana weJerusarema!+
15 Jehovha abvisa mitongo yawakapiwa.+
Adzinga muvengi wako.+
Jehovha Mambo weIsraeri anewe.+
Hauzotyizve dambudziko.+
16 Zuva iroro Jerusarema richaudzwa kuti:
“Usatya iwe Ziyoni.+
Maoko ako ngaarege kupera simba.
Achaponesa nekuti ane simba.
Achakufarira zvikuru.+
Achazorodzwa* nekuti anenge akuratidza rudo.
Achakufarira achishevedzera nemufaro.
18 Ndichaunganidza vaya vari kurwadziwa nekuti havana kuuya kumitambo yako;+
Vakatadza kuuya nekuti vainge vatapwa, vachizvidzwa kune imwe nyika.+
19 Panguva iyoyo ndicharwisa vese vari kukudzvinyirira;+
Ndichaponesa ari kukamhina,+
Uye ndichaunganidza vakapararira.+
Ndichaita kuti varumbidzwe uye kuti vave nemukurumbira
Munyika dzese dzavainyadziswa.
20 Panguva iyoyo ndichakudzosai,
Ndichakuunganidzai.