Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
101 Ndichaimba nezverudo rusingachinji uye kururama.
Ndichaimba ndichikurumbidzai,* haiwa Jehovha.
2 Ndichangwarira uye ndichava asina mhosva* pamaitiro angu.
Muchauya riini kwandiri?
Ndichafamba mumba mangu nemwoyo wakaperera.+
3 Handizoisi chinhu chisingabatsiri pamberi pemaziso angu.
Munhu wese ane maziso anozvikudza uye ane mwoyo unozvitutumadza,
Handizomusiyi akadaro.
6 Ndichatarisa vakatendeka vari panyika,
Kuti vagare neni.
Munhu anofamba asina mhosva,* achandishumira.