Mapisarema
Kumutungamiriri; mutinhimira weGititi.* Rwiyo rwevanakomana vaKora.+
Mwoyo wangu nenyama yangu zvinopembera nemufaro kuna Mwari mupenyu.
3 Kunyange shiri inowana pekugara ikoko
Uye nyenganyenga* yakazvivakira dendere,
Mainochengeta manyana ayo
Pedyo neatari yenyu huru, haiwa Jehovha wemauto,
Mambo wangu naMwari wangu!
4 Vanofara vaya vanogara mumba menyu!+
Vanoramba vachikurumbidzai.+ (Sera)
6 Pavanopfuura nemuBani reBheka,*
Vanorichinja kuva nzvimbo yezvitubu zvemvura;
Uye mvura inotanga kunaya inoripfekedza makomborero.
7 Vanoramba vachifamba, simba ravo richiwedzera;+
Mumwe nemumwe anozviratidza pamberi paMwari muZiyoni.
8 Haiwa Jehovha Mwari wemauto, inzwai munyengetero wangu;
Teererai, haiwa Mwari waJakobho. (Sera)
10 Nekuti zuva rimwe chete muzvivanze zvenyu rinopfuura ane chiuru kune imwe nzvimbo!+
Ndinosarudza kumira pamusuo weimba yaMwari wangu
Pane kugara mumatende ezvakaipa.
Jehovha haazonyimi chero chinhu chipi zvacho chakanaka
Vaya vanofamba vakaperera kwaari.+