Mapisarema
Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Maruva.” Chiyeuchidzo. Pisarema raAsafi.+ Rwiyo.
4 Jehovha Mwari wemauto, mucharamba makashatirwa kusvikira riini vanhu venyu vachinyengetera kwamuri?+
5 Munovadyisa misodzi sechingwa,
Uye munoita kuti vanwe misodzi yakawandisa.
6 Munoita kuti vavakidzani vedu vapopotedzane pamusoro pedu;
Vavengi vedu vanoramba vachitinyomba pamadiro.+
7 Haiwa Mwari wemauto, tidzorerei pataimbova;
Itai kuti chiso chenyu chipenye kwatiri, kuti tiponeswe.+
8 Makaita kuti muzambiringa+ ubve kuIjipiti.
Makadzinga marudzi, mukaudyara.+
10 Makomo akafukidzwa nemumvuri wawo,
Uye misidhari yaMwari yakafukidzwa nemapazi awo.
12 Makaputsirei rusvingo rwematombo rwemunda wacho wemizambiringa,+
Zvekuti vese vanopfuura nepo vari kutemha michero yawo?+
14 Haiwa Mwari wemauto, dzokai.
Tarisai pasi muri kudenga, muone!
16 Unopiswa nemoto,+ unotemwa.
Vanoparara pamunovatuka.*
17 Ruoko rwenyu ngarutsigire munhu ari kuruoko rwenyu rwerudyi,
Ngarutsigire mwanakomana wemunhu wamakasimbisa.+
18 Hatizobvi kwamuri.
Tichengetedzei tiri vapenyu, kuti tidane zita renyu.