Dheuteronomi
32 “Teerera, iwe denga, uye ini ndichataura,
Uye nyika ngainzwe mashoko emuromo wangu.
2 Mirayiridzo yangu ichanaya semvura;
Mashoko angu achadonha zvishoma nezvishoma sedova,
Semvura inopfunha pauswa
Uye semvura zhinji pazvinhu zvinomera.
3 Nekuti ndichazivisa zita raJehovha.+
Taurai nezveukuru hwaMwari wedu!+
Havasi vana vake, imhosva yavo.+
Ivo chizvarwa chisina kururama uye chakamonyana!+
Haasi iye here Baba venyu vakaita kuti muveko,+
Vakakusikai uye vakakusimbisai?
7 Yeukai mazuva ekare;
Fungai nezvemakore ezvizvarwa zvakapfuura.
Bvunza baba vako, uye vachakuudza;+
Bvunza vakuru vako, uye vachakuzivisa.
8 Wekumusorosoro paakapa marudzi nhaka yawo,+
Paakaparadzanisa vanakomana vaAdhamu,*+
Akaisa muganhu wemarudzi+
Zvichienderana nekuwanda kwevanakomana vaIsraeri.+
11 Segondo rinobhabhama mapapiro aro padendere raro,
Rinobhururuka pamusoro pemanyana aro,
Richitambanudza mapapiro aro, roatora,
Richiatakura pamapapiro aro,+
12 Jehovha ega ndiye akaramba achimutungamirira;*+
Hapana mwari wekune imwe nyika waaiva naye.+
Akamugutsa neuchi hwakabva mudombo,
Nemafuta akabva mudombo rakaomarara,
14 Ruomba rwemukaka wemombe uye mukaka wemakwai,
Pamwe chete nemakwai akanakisisa,*
Nemakondohwe ekuBhashani, nenhongo,
Pamwe chete negorosi rakanakisisa;+
Uye wakanwa waini yeropa remazambiringa.*
15 Jeshuruni* paakanga akora, akakava zvekuratidza kupanduka.
Wakora, wasimba, uye wafuta.+
Saka akasiya Mwari akamusika,+
Akazvidza Dombo reruponeso rwake.
17 Vaibayira kumadhimoni, kwete kuna Mwari,+
Kuna vanamwari vavakanga vasingazivi,
Vatsva vakanga vachangouyawo,
Kuna vanamwari vakanga vasingazivikanwi nemadzitateguru enyu.
21 Vakandishatirisa* vachinamata vanamwari pasina;+
Vakandigumbura nezvidhori zvavo zvisina zvazvinobatsira.+
22 Nekuti hasha dzangu dzabatidza moto+
Uchapisa kusvika muGuva* makadzika,+
Uye uchaparadza nyika nezvibereko zvayo
Uye uchaita kuti nheyo dzemakomo dzibvire.
23 Ndichawedzera matambudziko avo;
Ndichapedzera miseve yangu pavari.
Ndichavatumira mazino ezvikara,+
Neuturu hwezvinofamba muguruva.
25 Kunze, bakatwa richaita kuti vafirwe;+
Mukati, muri kuvatyisa+
Vese jaya nemhandara,
Mwana mucheche neharahwa yachena musoro.+
26 Ndingadai ndakati: “Ndichavaparadzira;
Ndichaita kuti vasayeukwa zvachose pakati pevanhu,”
Vangazoti: “Simba redu ndiro rakunda;+
Haasi Jehovha akaita zvese izvi.”
29 Dai vakanga vakachenjera!+ Vaizofungisisa nezvazvo.+
Vaizofunga kuti zvichazovafambira sei.+
30 Munhu mumwe chete angadzingirira sei vanhu 1 000,+
Uye vaviri vangaita sei kuti vanhu 10 000 vatize?
Hazviiti, kunze kwekunge Dombo ravo ravatengesa+
Uye Jehovha avaisa mumaoko avo.
Mazambiringa avo mazambiringa emuchetura,
Masumbu avo anovava.+
33 Waini yavo uturu hwenyoka,
Muchetura unouraya wemhungu.
35 Kutsiva ndekwangu, nekudzorera,+
Panguva yacho chaiyo pachatsvedza tsoka dzavo,+
Nekuti zuva redambudziko ravo rava pedyo,
Uye matambudziko achavawira achakurumidza kuuya.’
36 Nekuti Jehovha achatonga vanhu vake,+
Uye achanzwira tsitsi vashumiri vake*+
Paachaona kuti simba ravo rapera,
Uye kuti kwangosara vasina zvavachagona kuita nevasina simba.
37 Achabva ati, ‘Vanamwari vavo vari kupi,+
Dombo ravakapotera kwariri,
38 Vaidya mafuta ezvibayiro zvavo,*
Vainwa waini yemipiro yavo yezvinwiwa?+
Ngavasimuke vakubatsirei.
Ngavave nzvimbo yenyu yekupotera.
Ndinouraya, uye ndinoraramisa.+
40 Nekuti ndinosimudza ruoko rwangu kudenga,
Uye ndinoti: “Ndinopika nekurarama kwangu nekusingaperi,”+
41 Kana ndikarodza bakatwa rangu rinopenya
Uye ndikagadzirira ruoko rwangu kuti rupe mutongo,+
Ndichatsiva mhandu dzangu+
Uye ndichatsiva vaya vanondivenga.
42 Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa,
Uye bakatwa rangu richadya nyama,
Neropa revakaurayiwa nevakatapwa,
Nemisoro yevatungamiriri vemuvengi.’
43 Farai, imi marudzi, nevanhu vake,+
Nekuti achatsiva ropa revashumiri vake,+
Achatsiva mhandu dzake+
Uye achayananisira* nyika yevanhu vake.”
44 Saka Mozisi akauya, aina Hoshea*+ mwanakomana waNuni, akataura mashoko ese erwiyo urwu vanhu vachinzwa.+ 45 Pashure pekunge Mozisi apedza kutaura mashoko ese aya kuvaIsraeri vese, 46 akati kwavari: “Isai mashoko ese andiri kukuyambirai nhasi mumwoyo menyu,+ kuitira kuti murayire vanakomana venyu kuti vanyatsoita zvese zviri kutaurwa muMutemo uyu.+ 47 Nekuti iri harisi shoko ramangotaurirwawo, asi rinokuponesai,+ uye neshoko iri munogona kurarama kwenguva refu panyika yamuri kuyambuka kunotora kumhiri kwaJodhani.”
48 Jehovha akataura naMozisi musi iwoyo, achiti: 49 “Kwira mugomo iri remuAbharimu,+ Gomo reNebho,+ riri munyika yeMoabhi, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKenani, yandiri kupa vaIsraeri kuti ive nhaka yavo.+ 50 Uchabva wafira mugomo rauri kukwira mariri, woiswa kwakaiswa vanhu vekwako,* sekufa kwakaita Aroni mukoma wako muGomo reHori,+ akaiswa kwakaiswa vanhu vekwake, 51 nekuti mese muri vaviri hamuna kuva vakatendeka kwandiri pakati pevaIsraeri pamvura yeMeribha+ yekuKadheshi murenje reZini, nekuti hamuna kunditsvenesa pakati pevaIsraeri.+ 52 Uchaona nyika yacho uri nechekure, asi hauzopindi munyika yandiri kupa vaIsraeri.”+